Mazwi Anoshandiswa Kazhinji
Kuziva zvinoreva mazwi anotevera kunobatsira zvikuru kuti unzwisise panotaurwa nevamwe nezvekurima tsuro. Mazwi aya ndeeChirungu kuti zvisanetse kutaura nevamwe.
Breeder: Munhu anochengeta tsuro
Breeding: Kusanganisa tsuro hono nehadzi kuti ibate pamuviri
Cage: Imba inochengeterwa tsuro imwechete ihombe
Concentrates: Chikafu chemuzvitoro chinogadzirirwa tsuro kuti dzive nehutano hwakakwana
Coprophagy: Tsuro painodya tsvina yayo imwe yainenge yaburitsa kuti iwane zvinenge zvasarira muchikafu
Cross breeding: Kusanganisa tsuro mbiri dzemhando yakasiyana sekuti Chinchilla neNew Zealand
Droppings: Manyowa etsuro
Dry Doe: Nguva inotorwa kubva pakurumurwa kwevana kusvika pakuzvarisa tsuro hadzi zvakare
Forage: Chikafu che green chinopiwa mombe, mbudzi kana tsuro.
Foster Mother: Tsuro hadzi inopihwa vamwe vana kuti ichengete kusanganisa pane vayagara iinavo. Zvinowanzoitwa kubvisa vana vanenge vawandisa pane imwe tsuro hadzi.
Fryer: Mwana wetsuro anenge ave nemwedzi miviri (2) kusvika ina (4). Iyi itsuro inenge yasvika zera rekutengeseka kana kudyika.
Fur Block: Dumbu rinenge razara makushe zvekukanganisa kugayiwa kwechikafu mudumbu retsuro
Gestation: Nguva inotora tsuro kuita pamuviri kusvika pakuzvara. Inobvira pamazuva 28 kusvika 32, asi inowanzotora mazuva 30 kusvika pakuzvara
Hutch: Mutsara kana kuti raini rema Cage kubva pa 2 zvichikwira
Kindling: Kuzvarwa kwevana vetsuro.
Lactation: Nguva yekupa mukaka kuvana kusvika varumurwa.
Litter: Vana vaberekwa netsuro imwe panguva imwe.
Nest Box: Chibhokisi chinogadzirirwa mai vetsuro kuti vazvarire vana vavo imomo
Nursing: Nguva inoberekwa vana kusvika pavanosvinura maziso.
Palpating: Nzira yekutarisa nayo kuti tsuro yabata pamuviri here, kazhinji kubva pazuva rechi12 kusvika rechi14 yasangana nehono
Weaning: Nguva inorumura vana vetsuro, kubva pamwedzi wekutanga kusvika wechipiri